Methodist Shona Hymn 198

Nokuchema kwandiinako,
Ngozi yakandibata ichakundwa,
zvandarindira
Mwana wepfumo jena achauya,
Nhasi muvengi wangu achaona.

Nokusungwa kwandiinako,
Gasho romwoyo wangu richachekwa
zvandarindira
Jesu wokumatenga achauya,
Yose misungo achaidimura.

Norufaro rwenyika ino,
Nyika yamunoona ichatongwa,
Musi unenge
Mwana wepfumo jena ava pano,
zvose zvamunoona zvichapera.

Noupfumi hwamunoona,
Nhaka yenyika ino ichapera,
Musi unenge
Jesu wokumatenga ava pano.
zvose zvamunoona zvichapera.

Nomutongi wenyika ino,
Mambo wenyika ino achatongwa,
Musi unenge
Mwana wokumatenga ava pano,
Jinda renyika ino richachema.

Nhasi pano, dzokai mose,
Mambo wokumatenga ari pano
watinoreva
Jesu wokumatenga ari pano,
Uyai mose mose muponiswe.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.