Methodist Shona Hymn 232

Nguva yakanakisisa
Yokukurumbidza,
Kana tadzoredzaniswa
Pam’soro kudenga;
Ndizvozvo tichanzwa mazwi
Echisimbisiso,
Chokuti kana tikafa
Pane ino nyika,

   Tinosangana kudenga
   Neropa raJesu,
   Nokutenda kuna Jesu
   Tichasanganiswa.


Kunakisa korugare
Rwakasunga mwoyo;
Isu kana taungana
Muzita raKristu,
Mwanakomana wababa,
wakakomborerwa!
Ndiye chivimbo chokuti
Tichasanganiswa.

Nyangwe, tsoka dzakaneta
Dzichayambukira
zambuko rinendarama
Nokukurumidza;
Apo patakagarirwa
Navo vanotida
Vanokuridzira isu
Kuti tiyambuke.

Nyangwe takatsaukaniswa
Navo vatinoda
Tichazosangana navo
Patsoka dzaIshe;
Tigogara naye Jesu
Pane iyo nzvimbo
Tisingatsaukaniswe
Pahukama humwe.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.