Methodist Shona Hymn 211

Nguva yakanaka Jesu
Yokuuya kwamuri
Kuti tinzwe zvivimbiso
zvarehwa nemi Ishe.

Muve nesu musi uno
Kuti tinzwe chaizvo,
Tibatise idi renyu
Ramazwi oupenyu.

Pfungwa dzedu dzizarurwe,
Tinangiswe kudenga;
Chokwadi chivhenekere
Kuti tisarasike.

Tipfavise, titivise,
Tirambe takashinga;
Tipei simba rokuita,
zvinhu zvakarurama.

Matama enyu ngaave
Sembiriso muupfu,
Inoita basa ravo
Kuti upfu huvire.

Tinoda kuve zvapupu
zveidi ratinaro
Kuti hama dzirinzwewo
Dzigozvizivirawo.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.