Methodist Shona Hymn 131

Ndoisa pana Jesu
zvivi zvangu zvose;
Anonditakurira
Mutoro mukuru;
Ndounza kuna Jesu
Mhosva dzangu dzose,
Ndinoda kushambidzwa,
Nditsveniswe kwazvo.

Ndoisa pana Jesu
Nhamo dzangu dzose
Anorapa zvirwere
Anondinunura;
Ndounza kuna Jesu
Dambudziko rangu,
Anonditakurira,
Ndigorerukirwa.

Ndozorodza kwaari
Mweya wakaneta,
Ndorinda zvakanaka
Pachipfuva chake;
Jesu Emanueri,
Ndoda zita rake;
Anesu nguva dzose
Ndiye Muyamuri.

Ndoda kuva saJesu,
wanga akapfava,
Ndiye mwana mutsvene
wababa wedenga;
Ndoda kuva naJesu,
Agondidzidzisa
Kuti ndikurumbidze
Pamwe nengirozi.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.