Methodist Shona Hymn 132

Makandinzvera, Jehovha
Munoziva zvose zvangu,
Kuzorora, kusimuka,
Nokufunga kwakavanda.

Nzira nechimiro changu
Munocherekedza zvose;
Shoko risati rataurwa
Munotoriziva rose.

Ruzivo runoshamisa
Rwandikomberedza chose;
Nyange ndotizira kure
Muripo pamberi pangu.

Rima harindifukidze
Harindivanze kwamuri,
Asi rima nechiedza
zvakafanana kwamuri.

zviri nhando kukutizai,
Handigone kuzvivanza,
Saka zvino ndozvipira,
Mandikunda Mwari wangu.

Ndinzverei mundizive,
Mundiedze, mundidzore,
Mundifambise munzira
Yenyu nokusingapere.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.