Methodist Shona Hymn 294

Ndinokukurumbidzai,
Mwari mukuru, mauro ano;
Ndivhumbamirwe sehuku,
Nawo mapapiro enyu,

Ndiregererei baba,
Nenzira yaJesu Kristu,
zvose zvakaipa zvangu
zvandaita musi uno.

Ndidzidzisei Jehovha.
Ndigere pano panyika,
Ndisingatye kufa uku
Kunouya mumwe musi.

Mweya wangu ngaugare
Uve nemi pane rima,
Ngandirinde zvakanaka
Kuti ndimuke nesimba.

Kana ndashayiwa hope
Ndipei pfungwa dzedenga;
zvibve kwandiri zviroto
zvakaipa zvousiku.

Ngandimire nguva dzose
Ndakabata mwenje wangu,
Ndifare kuona denga
Kana rufu ruchisvika.

Mukurumbira kwamuri
Unoratidzwa nemwenje,
Nomwenje wakabatidzwa
Ndimirire ushe hwenyu.

Mwari, mupi wezvitsvene,
Ngaarumbidzwe nazvose;
Rumbidzai vokudenga,
baba, Mwana, naye Mweya.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.