Methodist Shona Hymn 157

Ndiani mhandu iyi
Inorondomara,
Yoringa vari pasi
Nehanzu yesimbi?
Yovirima nesimba,
Pfumo, nebakatwa,
Yosangana naMwari
wuto ndokutiza.

Nako kureba kwayo
Vose vakaitya,
Votiza Goriati
Somukundi wavo;
Reva kuti ndiani
Mhandu yedu nhasi?
Ndihwo utadzi hwangu,
Nechitadzo changu.

Musimba rake Jesu
Ndorwa saDavhidhi,
Nyange ndisina zvombo
Simba ndiye Jesu;
Ndofunga tsitsi dzake,
Ndinokonya nadzo,
Ndotsveta mweya wangu
Pano rudo rwake.

Ndonanga nechimvii
Kuna Goriati;
Mwari wati zvidaro
Ndichakunda chivi;
Necho chitsidzo chake
Ndinokonya naShe,
Ndinokunda chokwadi
Nokuti wadaro.

Musimba rake Mwari
Ndonanga kumhandu,
Simba ndirwo rutendo
Rinokunda mhandu;
Rutendo muna Jesu
Runodema chivi,
Rwonanga pane simba,
Rwomuwisa pasi.

Simukai maKristu,
Muchitanda mhandu
Mutunhe wematenga
Anokunda chivi;
Anosvika ndiJesu
Kuzokupa simba,
Haabate bakatwa,
Kurwa ndiko kwake.

Ishe musi nomusi
woonesa simba
wodzikamisa mhandu
Nokuiuraya;
Mwari, tiyamurei
Kuti tiparidze,
Kuti nyika izive
Simba rake Jesu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.