Methodist Shona Hymn 156

Mwari runondishamisa.
Rudo rwenyu kwandiri,
Kutambura ndatambura,
Asi imi muneni.

Pakurwara ndakarara.
Ndovimba nemi Jesu;
Ndigadzirirei nzira
Yokuuya kwamuri.

Hamunete kubatsira
Varwere vatambura
Nokurwara kwamakore
Nezvirwere zvizhinji.

Itaiwo kuti hama
Neshamwari dzitende;
Varege kuora mwoyo
Nokuti ndiri ndonda.

Musi womondidaidza
Ndingafara zvikuru,
Nokuti ndinozogara
Pachigare chitsvene.

Kunyange rima rouya
Romumvuri wokufa
Imi Jesu, Mununuri
Munondiperekedza.

Kumusha wenyu kudenga
Kunogara vatsvene,
Vadyi venhaka yedenga
Nokusingazopera.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.