Methodist Shona Hymn 196

Mwoyo yenyu ngairege
Kuchemera vafi,
Vose vanotenda Jesu
Vaponiswa naye.
Ndiye M’ponisi,
Ndiye upenyu
Norumuko rwedu.

Mwoyo yenyu ngairege
Kuva nourombo;
Munotenda kuna Mwari,
Tendaiwo kuneni.

Mwoyo yenyu ngairege
Kungochema-chema;
Jesu wakamuka zvake
Nesu tinomuka.

Mwoyo yenyu ngairege
Kungochema-chema;
Jesu anodisa vana
Anovachengeta.

Mwoyo yenyu ngairege
Kungochema-chema;
Vana vose ndava Mwari
Vanozoda Jesu.

Mwoyo yenyu ngairege
Kungochema-chema;
Mwari anotipa vana,
Ndiye anotora.

Mwoyo yenyu ngairege
Kungochema-chema;
Muchaenda kuna iye
Kuti muchitenda.

zvino tinocherechedza
Uyu mwana wedu,
Iye anotungamira
Kuna baba wedu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.