Methodist Shona Hymn 77

Mweya Mutsvene waMwari!
Garai muno mumba,
Burukai zvino nesimba,
Uyai Mweya, uyai.

Uyai Mweya, kufanana
Kupenya kwezuva;
Vhenekerai mwoyo yedu,
Onisai kuipa.

Onisai rushavashava
Nezvirwere zvose
Titungamirei panzira
Panenda vatsvene.

Uyai serimi romoto,
Pisai mwoyo yedu,
Tichive zviteuriro
Kuna Ishe wedu.

Uyai Mweya kufanana,
Dova rokudenga,
Mwoyo isingabereke
Ive namapudzi.

Uyai senjiva yedenga,
Mutivhumbamire
Namapapiro orudo
Noruregerero.

Uyai sedutu remhepo
Nesimba renyasha,
Kuti vanhu vakuonei,
Noutsvene hwenyu.

Uyai Mweya wokudenga
Mukugara kwedu;
Mutiite musha wenyu,
Uyai, Mweya, uyai.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.