Methodist Shona Hymn 91

Mwari nedzo tsitsi dzenyu
Makatipa dama renyu,
Iro dama renyu guru,
Rinobva iko kudenga.

Iro rinotidzidzisa,
Iro rinotifadzisa,
Rinobvisa rima rose
Rinouyisa chiedza.

Taifamba pane nzira
Inoenda kuna rufu.
Dama renyu rakasvika,
Tinovonga nazvo chose

Neri dama tapindutswa,
Neri dama taponiswa,
Rakatidzora pazvivi,
Kuti tiende kudenga.

Ngarifambe iri dama,
Ngadzirinzwe nyika dzose,
Ridzidzise vanhu vose
Vari kune nzvimbo dzose.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.