Methodist Shona Hymn 90

Heri dama rokudenga
RoMusiki wedu,
Ngatirinzwise zvikuru
Nayo mwoyo yedu.

Rinoreva nguva dzose
Nokuipa kwedu,
Rinotiratidza isu
Zvourema hwedu.

Chakaipa imharadzi
Chinotiparadza;
Asi Jesu ndiye Shoko
Rinotiponisa.

Ndero kuti ngatidzoke
Pakuipa kwedu;
Tizvirasire kwaari
Muponisi wedu.

Ngatibatirire iye
Nokushingirira;
Tinoponiswa naiye
Mune chakaipa.

Nhasi ndiro zuva rake
Rokutiponisa;
Wamira nengoni dzake
Kuti atifadze.

Ngatimuke tigam’chire
Iri dama rake
Anozotiropafadza
Nokutiponisa.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.