Methodist Shona Hymn 230

Mwari ano rudo
Toda nzira yenyu
Yamatimisira
Tichitererazve
Tive mune zvenyu zvose,
Tipererewo mamuri.

Matiunzirei
Pano pamwe chete,
Tava pamwe sei
Kuti tionane,
Tive pamwe tinzwirane
Takakanyana mamuri?

Matiita mumwe
Kuti tive pamwe
Tigofamba pamwe
Tigoyamurana;
Dakara nduramo dzenyu
Dzionwe pamwe norudo.

Ngatinange tose
Patinogumira
Takangwaririra
Tirwe kwenda mberi;
Tisusukidzane tose
Dakara tiwane ngundu.

Tidirei Mweya
Kuti musi uyo,
Tigozova nemi
Kuti tisimutswe;
Titakurwe tiendeswe
Tisvitswe kuMununuri.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.