Methodist Shona Hymn 296

Mumwe musi ava mauro,
Varwere vakaungana,
Panyasi paJesu Ishe,
Vakaenda norufaro.

Nanhasi isu tauya,
Tosedera nezvirwere;
Mumhu wenyu hatione,
Toziva kuti muripo.

Tandai madzudzo edu;
Vamwe vanorwara kwazvo;
Vamwe havanyatsokudai;
Vamwe vakarasa rudo.

Vamwe vakaneta pano,
Vakashaya ruyamuro;
Vamwe vane hama dzavo
Dzinovatambudza kwazvo.

Vose vanoda zororo,
Vanoda ruregerero;
Vanoda kukushandirai
Tonzwa kuipa mumwoyo.

Kristu imi muri Munhu,
Makamboedzwa zvikuru;
Meso enyu anoona
zvatinotsvaka kuvanza.

Simba renyu richigere;
Hamuna zvinokundika.
Tinzweiwo maurano
Tirapwe netsitsi dzenyu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.