Methodist Shona Hymn 143

Mumwe ariko kum’soro;
Anotida!
Rudo rwake rwakakomba;
Anotida!
Hama dzedu dzinotiza,
zvimwe dzingatitambudze
Haana kutinyengedza;
Anotida!

Kumuziva ndoupenyu:
Anotida!
wakatipa zvinhu zvose:
Anotida!
Tanga tiri kure naye,
wakatitenga neropa;
zvino tachengetwa naye:
Anotida!

Jesu ndiShamwari wedu:
Anotida!
woda kutiropafadza:
Anotida!
Mwoyo yedu inomuda,
Yoda kushovedzwa naye,
zvirokwazvo nechokwadi:
Anotida!

Anoregerera zvivi:
Anotida!
Hondo dzedu dzinokundwa;
Anotida!
Anotipa zvipo zvose
wopa namakomborero,
Achatipa noutsvene;
Anotida!

Hymn Details

4 thoughts on “Hymn 143

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.