Methodist Shona Hymn 292

Muka mweya wangu, famba
Enda kundoita basa;
Rasa nungo dzako, muka
Inguva yokuteura.

Upfidze kukanganisa
Nhasi uno uchenjere,
Ushandise matarenda
Sezva uchiri mupenyu.

Taura mazwi echokwadi
Uve nomwoyo mutsvene;
Mwari anoona zvose
Pfungwa nezviito zvako.

Muka mwoyo wangu, fara,
Imba pamwe nengirozi,
Dzinoramba dzichiimba
Dzichikurumbidza Mwari.

Rukurumbidzo ngaruve
Kwamuri Ishe wedenga,
Mandichengeta usiku
Mandipamhidzira simba.

Ndauyazve kuzopika
Tive nechitenderano;
Chengai pfungwa dzangu dzose
Ndizadzwe nomweya wenyu.

Nditungamirei nhasi
Pabasa randinoita,
Muzvifungo namashoko
Ndikukudzei nazvose.

Mwari mupi wezvitsvene
Ngaarumbidzwe nazvose;
Rumbidzai vokudenga
baba, Mwana, naye Mweya.

Tarisazve nziyo idzi: 85

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.