Methodist Shona Hymn 286

Mati imi baba wedu
Pakusika kwenyu vanhu,
Makavasika vaviri,
Murume nomunhukadzi.

Makariburitsa izwi;
Munhu ngaasiye baba
Agare nom’kadzi wake,
Vave nyama imwe chete.

Naivava vatsva vedu
Murume nomusikana
Vauya kusvitswa pano
Seyo tsika ye’zwi renyu.

Vaitei vave mumwe
Nokubvuma nokuita;
Vati pakugara kwavo
Vayamurane norudo.

Vasimbaradzei baba
Vaibate nzira yenyu
Pamakore avo ose
Vachengetwe nemi baba

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.