Methodist Shona Hymn 236

Makati vana vaduku
Ngavauyiswe kwamuri,
Umambo huri kudenga
Hwakamisirwa vaduku.

Tinouya navo Tenzi
Ndivava vatakabata,
Vagamuchirei nhasi,
Vave venyu nguva dzose.

Mweya wenyu uye Tenzi
Ngaugarewo mavari,
Kuti kuipa kwenyika
Kusazovanyonganisa.

Itaiwo kuti tose
Mufambiro wedu wose
Usazovarasikisa
Tisavadzosere shure.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.