Methodist Shona Hymn 100

Kwete! Idzo tsitsi dzenyu
Kuna ivo vane mhosva,
Munoda kuregerera,
Munoda kuvaponisa.

Jesu Ishe wokudenga
Tererai vatadzi vose,
Mudzorere, muponise,
Vatyori vemirairo.

Tsitsi dzenyu huru, Jesu,
Dzakakwana nyika yose,
Hadzingaenzaniswe,
Hadzingapere narini.

Makororo nedzomvemve
Mhombwe navo vanokorwa,
Vose vashovedzwa nemi
Kuti vose vaponiswe.

Vanobvuma nokuchema,
Muvanzwe netsitsi Ishe,
Muvaregerere chose,
Simbisai rutendo rwavo.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.