Methodist Shona Hymn 61

Kristu Tenzi wakamuka,
   Hareruya,
Ingirozi dzinoimba,
   Hareruya
Vanhu vapindurawo,
   Hareruya,
Imbai denga, nenyika,
   Hareruya.

Wakapedza basa rake,
Warwa hondo, akakunda,
Watikundira rufu,
Wabuda muguva rake.

Mambo wedu mupenyuzve,
Kufa hakuchine simba,
Wafa kutiponisa,
Guva harichakurira.

Tinotapatira naye
Kutevera Mambo wedu,
Izvi zvose ndezvedu,
Muchinjikwa, guva, denga.

Mambo wokubwinya kose!
Upenyu husingapere
Kukuzivai imi
Namasimba orumuko.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.