Methodist Shona Hymn 150

Jesu asati auya
Taigara murima,
Rima rokusamuziva
Iye Mwari sababa;
zvino nyika inofara
Noruvheneko urwu;
Jesu chiedza chenyika
Chakatumwa naMwari.

Chiedza chomwoyo wangu
NdiJesu Ishe wangu;
Kugara kwake mandiri
Kwafusa rima rangu;
Dzose nharo nokuzvida
Kunobiswa mandiri;
Kutya nokubvunda kwangu
Kunopedzwa naJesu.

zvino ndonzwa norufaro
Kuti Jesu ndinaye;
Iye agere mandiri,
Neni ndiri maari;
wese anobvuma Jesu
Angave nechiedza;
Hongu, ndiyamurei She
Kuti ndive nomwenje.

Ishe nguva dzangu dzose
Pfutisa mwenje wangu;
Kuti vamwe vauone
Mwenje woruponiso;
Vagopinda muchiedza,
Vafare nemi Jesu;
Kudakara nyika yose
Ikurumbidze Jesu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.