Methodist Shona Hymn 204

Jerusarem, musha wangu!
Musha wakanaka!
Kana ndapedza mabasa
Ndinenda kwauri.

Ndichauona riniko,
Uyo musha wangu?
Une dzimba dzakanaka,
Nokudya kutsvene.

Hapasisina kuipa,
Hapana nenhamu,
Ndinoramba ndichienda
Kumusha mutsvene

Ndingatye here kurwadza?
Ndingatize kufa?
Kwete, ndinoenda Kanana,
Nyika yandinoda.

Vaprofita, vapostori,
Vakafira Jesu
Varipo pamwe naKristu;
Neni ndichaenda.

Jerusarem musha wangu,
wandinotsvakisa!
Kana ndasvika kwauri,
Ndichafara kwazvo.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.