Methodist Shona Hymn 257

Ishe makamboburuka,
Muchigombosiya denga,
Pamwe noushe hwenyu;
Ndimi Ishe makaiteri.

Ishe, makavinga munhu
Kuti muzomununura
Nokumupa Mweya wenyu;
Ndimi Ishe makaiteri.

Ishe makavinga nyika,
Kuti mugoinunura
Nokupira ropa renyu;
Ndimi Ishe makaiteri.

Ishe tungamirai nyika
Kuti inange kwamuri,
Ichiita kuda kwenyu;
Ndimi Ishe mungaiteri,

Ishe, dzimai kubayana,
Kusina chakunotipa,
Kunopunza misha yedu;
Ndimi Ishe mungaiteri.

Mirai nesu Changamire,
Tisamire tiri toga,
Munoziva shumba yedu;
Ndimi Ishe mungaiteri.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.