Methodist Shona Hymn 258

baba munotipa zvipo
zvakanaka zvakanyanya,
Tipei njere namasimba
zvokushandisa zvose.

Tipei rugare pabasa,
Tizvibate pakufara;
Tishandise nhengo dzedu
Sokuda kwenyu, Mwari.

bisai zvinonyadza zvose
Murudzi rwedu namamwe;
Mundikundire zviyedzo,
Simba razvo ripere.

Ivai nesu tisimbiswe
Pakushingirira kwedu,
Tigokunda mhandu dzose,
Tisanete pakurwa.

Tenzi wedu nguva dzose
Mutitungamire mberi;
Kuti nyika iponiswe
Tipei simba nenjere.

baba ndimi matitsvaka,
Rudo rwenyu rwatibata,
Mweya wenyu watikomba;
Tinzwei Mwari wedenga.

C oPYRIGHT : bY PERMISSIoN oxFoRD U NIVERSITY P RESS .

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.