Methodist Shona Hymn 48

Hakuna zita sera Jesu
Kana nokudenga,
hakuna rimwe rakadaro,
Zita roM'ponisi.

    Tinoda kuimbira Jesu,
    Tichimupa Mbiri;
    Nokuti hatizive zita
    Rinokunda iri.

NdiJesu wakafira vose,
Wakatida kwazvo;
Zvatanga takaraswa tose
Nezvitadzo zvedu.

NdiJesu wakaita Nyasha
Takamukanganwa;
Wakati: Enda zvako mwana,
Usazotadzazve.

NdiJesu wakatiudzira
Kutunhidza Mwari,
Nokusarura vashamwari
Vakanaka chete.

NdiJesu wakarapa vanhu
Akavasimbisa;
Jesu wakadzosera vafi
Kune hama dzavo

NdiJesu anoenda nesu
Kwose tinoenda;
NdiJesu anotibatsira
Muupenyu hwedu.

Hymn Details

5 thoughts on “Hymn 48

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.