Methodist Shona Hymn 213

baba wedu tinouya
Kuzonamata,
Kuti makatichengeta
Nokuda.

Imi makatuma Jesu
Munyika yedu,
Kuti munotida isu
zvikuru.

wakaparadzira isu
Rudo netsitsi;
wakashuma kuti Mwari
Ndibaba.

Jesu akagotifira
Pamuchinjikwa;
Akagotiregerera
Netsitsi.

zvakaipa zvedu zvose
wakazvitora;
Mhosva dzedu wakaripa
Nokufa.

baba tinokutendai
Kuti matida;
Tichaedza basa renyu
Nokuda.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.