Catholic Shona Hymn 78

Endai Naye Kuna Mwari – A. Chamunorwa

M: Endai naye kuna Mwarii
V: S/A Endai naye x4 kuna Mwari
B Endai naye x3 kuna Mwari
T Endai-hi endaii endai nayee

Madetembo:
1. Maria musande, hoyoi mwana wenyu (zita) mwana wenyu.
2. Imi musande wake, nemi angere wake muchengeti, munhu wenyu uyu.
3. Imi vangere navasande vose, hama yenyu iyi. Endai naye kuna Mwari.
4. Imi vechizvarwa chokwababa vake makafa, muri kudenga mwana wenyu uyu.
5. Imi madzibaba ake namadzitateguru ake ose muri kudenga, mwana wenyu uyu.
6. Imi vechizvarwa chokwaamai vake makafa muri kudenga, mwana wenyu uyu.
7. Imi madzisekuru namadzimbuya ake muri kudenga, navose vokurudzi.
rwokwaamai vake makafa muri kudenga, mwana wenyu uyu.
8. Imi hama dzake dzose muri kudenga makafa mwana wenyu uyu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.