Catholic Shona Hymn 53

Baba Yewukaiwo Mufudzi

 

Tinokutendai Baba nechipo chomufudzi akadai, ngavazorore murugare netsiti dzenyu
B Mwarii Baba, makasarudza Sekuru (zita), kuti vafudze hwai dzenyu Makavapa zvipo-o, vakava chiedza munyika nomusango rose Tinokutendai - nechipo chomufudzi, ngavazorore - netsiti dzenyu

Madetembo:

1.Vakadzidzisa kuzviriritira, kuchengeta nherera, navose vari muushayi
2.Kirik:e sande zvazviri sakaramende, mairi mune hova nomwe dzinoponesa nokuwadzanisa vanhu naMwari. Vakatidzidzisa izvi Sekuru

Chorus:

Vapeiwo mubairo, webasa ravakabata, mabiko edenga ataigarodya navo Avape mifaro yedenga , yamakavatsidzira , isu sangano, ichaenda mberi Takamirira kudzoka kwaYesu, tiine chivimbo nechitarisiro chokuti, Tichasangano ikoko Musikavanhu, vapeiwo zororo, mabiko ataidya navo Avape mifaro yedenga, yamavatsidzira, isu sangano, tichaenda mberi Takamirira kudzoka kwaYesu, tiine chivimbo nechitarisiro chokuti Tichasangano ikoko

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.