Catholic Shona Hymn 44

Baba vano rudo-o-o

M·SIA Baba vano rudo-o-o
VS/A Muvavariro yenyu yekutizivisa nezveupenyu husingaperi makatuma mwanakomana wenyu Yesu Kristo kuti asvitse vanhu vose kuumambo hwenyu --- tinokukumbirisai kuti musimbaradze vanhu venyu mubasa ravo rokuparidza dama dama rakanaka kumarudzi ose avanhu munyika yedu ino yeAfrica
BIT --- Muvavariro- muvavariro yenyu makatuma mwanakomana kuti asvitse vanhu kuumambo hwenyu --- tinokumbirisa kuti musimbaradze vanhu venyu mubasa ravo nokuparidza da-a-ma rakanaka kumarudzi ose avanhu munyika yedu ino yeAfrica
Madetembo:
l.Pane kusaaziva mupe ruzivo
2.Pane kutyaa mupe kushinga
3.Pane udzvinyiriri mupe ruenzaniso
4.Pane kurwisana mupe rugare
5.Tinokukumirai izvi nomuna Yesu Kristo Mambo wedu Amen
Chorus:
Dai mweya mutsvene angotitungamirirawo mukugadzirira nzira dzokuparidza shoko raMwari kuti vanhu vose vomuno muAfrica vave vateveri venyu uye tivadzidzise kuti vazive vagokwanisa kutevedzea zvose zvamakati-tsidzira
--- Dai Mweya mutsvene angotitungamirirawo nzira dzokuparidza shoko raMwari --- vanhu vomuno muAfrica vave vateveri venyu tivadzidzise kuti vazive vagokwanisa kutevedzera zvose zvamakatitsidzira

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.