Catholic Shona Hymn 21

Amuka Muvafi Afanoenda Gareriya -S. Kalombo

M · SIA Amuka muvafi, afanoenda afanoenda afanoenda Gareriya
B Amuka muvafi afanoenda afanoenda Gareriya
V SIA Rakati Sabata rapfuura kwoedza nezuva rechiposhi revhiki Maria Magadharena nomumwe Maria vakauya kuzotarira kuguva --- Pasi paka ­ dengendeka kwazvo nokuti Angere waMambo akanga oburuka kudenga, Angere waMambo akanga oburuka.
T Sabata rapfuura zuva rechiposhi revhiki Maria Magadharena nomumwe Maria vakauya kuzotarira kuguva pasi paka-dengendeka kwazvo nokuti Angere waMambo akanga oburuka kudenga, Angere waMambo oburuka.
B Sabata-a rapfuura zuva rechiposhi revhiki Maria Magadharena nomumwe Maria vakauya kuzotarira kuguva pakarepo-o Angere waMambo akaswedera ndokubvisa zidombo riya-a achirikungurutsa origarira

Madetembo:

l.Ainge mheni kutarisika kwake, mukutarisika kwake -e, ainge mheni kutarisika kwake.
2.Zvipfeko zvake zvainge zvakachena samazaya echando, mazaya echando .
3.Kumuona kwavo kwakabva kwabvundisa vanyakugarira guva ndokubva vawira pasi sokunge vafa, sokunge vafa-a.

Chorus:

Asi inzwi raAngere kunamadzimai vaya-a, rakati-i Musatya zvenyu ndinoziva muri kutsvaga Yesu akanga aroverwa pachipiyaniso haasiri pano haasiri pano amuka Kristo mupenyu . Amuka zviro kwazvo amuka amuka sezvaakareva --- Amukaa zvirokwazvo --­ amuka amuka Kristo mupenyu Huyai muone paakanga aradzikwa mhanyai munoudza vadzidzi vake -e kuti Kristo amuka muvafi aenda kuGareriya ndiko-o kwamuchandomuona huyai muone Kristo amuka. Huyai muone-e zvaainge areva huyai muone Kristo amuka huyai muone Kristo mupenyu.
Huyai muone-e Huyai muone-e Huyai muone-e paakange aradzikwa huyai muone Kristo amuka, amuka Kristo mupenyu. (Huyai ) muone-e Kristo amuka huyai muone zvaainge areva (Huyai) muone -e Kristo amuka huyai muone Kristo mupenyu

Madetembo:

l.Mundovaudza aenda kuGareriya ndiko kwamuchandomuona iri ndiro-o dama rangu kunemi .
2. Vakakurumidza kubva paguva zvongobatanidza kutya nokufara kukuru nokuti Kristo amuka muvafi.
3. Vakamhanyira kundozivisa vadzidzi vake kuti Kristo amuka mupenyu.
M · SIA Vakasvika paari ndokumumbundira vachimupfugamir nokumurumidza endai munoudza-a vehama dzangu izvi.
B Ndokumbundira tsoka dzake iye ndokuvati-i regai kutya endai munoudza-a vehama dzangu kuti vaende Gareriya ndiko kwamuchanondiona.
T Vakamupfugamira-a ndokumbundikira tsoka dzake-e iye Yesu ndokuti · kwavari-i endai munoudza hama dzangu izvi.
Madetembo:

1. Hezviya Yesu akasangana navo ovakwazisa ivo vakamupfugamira
B: ivo vakamupfugamira
1. Vakasvika munyasi make ndokumbundikira tsoka dzake-e iye Yesu
B: tsoka dzake-e iye Yesu.

Hymn Details

One thought on “Hymn 21

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.