1. NDIWE wega uri nzira
Kunewe tauya,
Kana tichitsvaka Baba
Tauya kunewe.
2. Ndiwezve chokwadi wega
Ungwaru ngehwako,
Ndiwe ungaudze pfungwa
Kuchenesa mwoyo
3. Ndiwe upenyu chaihwo
Tiite tizive,
Naavo vanokudisa
Havaoni kufa