Anglican Shona Hymn 36

KWAKATI panguva yokutonga kwaHerodi Mambo,
Tese ngatitunhidze Mwari, tese ngatitunhidzenokumuombera
 
Vafudzi vagere pamwoto vachifudza hwai usiku--

Mukupenya Ngerosi yakati,Musatye, ndaunza rufaro kune pasi --
 
Nhasi muBeterehema kwaberekwa KristuMuponisi wedu --
 
Iye Mwana unoyera kwazvowakabarwa mundiro yezvipfuwo --
 
Ngerosi dzaimba Mbiri kumusoro,rudo kuna vanhu, runyararo pasi --
 
Iye ari ruveneko rwedi mudima rezvitadzozvedu --

Wakatumwa ndiBaba kuzodaidza isu vana vake--
 
Denga, pasi nenyanza zvinokudza rudo rwake--
 
Iye wakabvuma kufa kuti tione ruveneko --
 
Ngatimuimbire rwiyo rutsva ngekutifira kwake–
 
Mwari anofadzwa ngerupinduko rwedu norudaviro–

Makristu namatirai vese vari mudima vaoneruveneko –

Mwari ari kumirira vese vari mudima kuuyamusangano –
 
Ndzvo ngaanzwe minamato yedu nhasi uno narini–

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.