Anglican Shona Hymn 247

1. JESU ari kudaidza
Mukutambudzwa kwedu.
Misi yese izwi rake
Rinoti “Nditevere.”


2. Sezvo kare Andreasi
Akanzwa izwi rake,
Akasiya zviro zvese
Pamsana poM’ponisi.


3. Jesu ari kudaidza
Vanhu vese vepasi,
Achiti, “Vapwere vangu,
Ndidisei zvikuru.”


4. Mukufara nokusuva
Nomumabasa edu,
Anoda kuti timude
Nokuregera pasi.


5. Jesu ari kudaidza!
Tibatsire, M’ponisi,
Kuti tinzwe izwi rako,
Tikudise narini.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.