AFM Shona Hymn 72

1 WAUYA! Wauya! Mucheki mukuru,
Vanhu vachaona Ishe wedenga,
Vanogozomutswa vari kumakuva,
Ava vaonekwe vose pakachena.

2. Zvinhu zvatinoona zvose zvichatsva,
Makomo, mapako, zvichanyongodeka,
Zuva richadzimwa mwedzi uchapera,
Vakaipa vachashaya pokuvanda.

3. Mucheki asvike nehondo huru,
Hondo inouya yavanyai vedenga;
Nameso oMucheki mukuru aone,
Zvinhu zvakavanda, zvinhu zvakaipa.

4Vatadzi vanova nokutya kukuru,
Vanogodedera pameso oMucheki,
Vasakarurama vachazoparadzwa,
Vaiswe munzvimbo yokutambudzika.

5 Regai zvakaipa, mutye mururame,
Munzwe izwi raShe, munamate mose,
Zviteurirei, mutsvake netsitsi,
Inguva nazvino, uyai mugam’chire.

Hymn Details

One thought on “Hymn 72

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.