1.SIPITI retsitsi nengoni
Tinaro Muripiri wedu.
Iro razarurirwa isu
Naani anoda kuuya.
2. Ishe Jehovha unotida
Kuterone yake kudenga;
Tiende kurwizi tichinwa
Mvura youpenyu kudenga.
3. Tinoti tatenda kwaari,
Tipiwe Mweya woruregero
Tipiwe nengoni tifare,
Kugam’chira ‘dzi ngoni dzake.
4.Tinopiwa norudo rwake,
Tipinde narwo paupenyu,
Tinonzwa chokwadi rufaro
Runenge ndorwapakudenga.