AFM Shona Hymn 23

1.NGATITENDE kuna Jesu,
Nokuti watifira;
Wakatiitira tsitsi
Nokutifira kwake;
Ishe, Baba!
Iva netsitsi nesu.

2.Isu vanhu vamapofu,
Wakauya kunesu;
Wakatifira vanhu vose,
Wakatifira mapofu;
Ishe, Baba!
Iva netsitsi nesu.

3.Vatema naivo vachena,
Vatende pamwe chete;
Ngavakurumbidze vese,
Vaimbe kuna Ishe;
Ishe, Baba!
Iva netsitsi nesu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.