AFM Shona Hymn 161

1. NGATIITE zvakanaka
Kune avo Vanochema,
Ngatiite zvakanaka
Kune vanotambudzika;
Kuti tizokomborerwa
Parwendo rwedu pano,
Ngaticherechedze avo
Vane mwoyo yeurombo.

Korus:
Nguva yedu ipfupi kwazvo,
Nguva yedu ipfupi kwazvo,
Hatizivi musi uyo
Mwari anotidaidza.

2. Ngatitaurire avo
Vanoshaya Muponesi,
Vakarasa nzira dzavo,
Va’akufamba kune rufo,
Kuti tizofara kwazvo
Ngeupenyu hworutendo,
Ngatishinge kutaura
Kuti tinopona senyi.

3. Vese avo vari sure
Vanoona nzira dzedu,
Vadikanwi vari sure
Vanofunga nzira dzedu;
Ngatifambe zvakanaka
Pane nzira muupenyu,
Mwoyo izokura kwazvo
Nerutendo kuna Jesu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.