1.NGANDIBEREKE mapudzi,
Ayo oMweya Mutsvene,
Ohunhu nokururama,
Nduramo nomwoyo chena,
Izvo zvose zvorutendo
Nezvorudo nofuraro.
2. Izvo zvinhu ngazvikure
Mumwoyo nenguva dzose,
Zvindiyamure ndidzure
Kose uku kumanikwa
Kousvinu nokwetsino;
Nokwezvinhu zvinobvako.
3. Hongu, Ishe, nganditunge,
Ndivewo unoberera,
Ndivavarire kuwana
Zvosewo zvakarurama,
Zvigorega kuzorambwa
Hwose unhu nadzo tsika.