AFM Shona Hymn 90

1. NDOZVIISA pana Jesu
Zvakaipa zvangu;
Anonditakurira,
Mutoro mukuru:
Ndouyisa kuna Jesu
Mhosva dzangu dzose,
Ndinoda kushambidzwa,
Nditsveniswe kwazvo.

2. Ndokumbira kuna Jesu
Zvose zvandashaya,
Anorapa zvirwere,
Anondinunura.
Ndouyisa kuna Jesu
Dambudziko rangu,
Anondisunungura
Tinogoverana.

3. Nozorora pana Jesu
Mweya wakaneta,
Ndorinda zvakanaka
Pachipfuva chake;
Zvikuru ndinomuda
Jesu Kristu Ishe;
Ndiye Mufudzi wangu,
Ndiye Muyamuri.

4. Ndoda kuva saJesu,
Wanga akapfava,
Ndiye mwana mutsvene,
WaBaba kudenga.
Ndoda kuva saJesu,
Ndoda kudzidziswa
Ndigomukurumbidza,
Pamwe nengirozi.

x8

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.