AFM Shona Hymn 149

1. NAMATANYI , vanamati,
Musanete imwi, kwete;
Kwanga kune shirikadzi,
Haisakaneta iyo.

2. Nhambwe zhinji yakauya
Kukumbira ‘yo mutongi,
“Nditongere mhosva dzangu.”
Nguva ndefu wakaramba.

3. Gare-gare wakazoti,
“Kana ini ndisingatyi
Mwari kana umwe munhu,
Yandinetsa shirikadzi.”

4. “Ndoitonga mhosva yayo,
Pararanyi mhandu dzake,
Regeranyi kumunetsa;
Fara hako, shirikadzi.”

5. Jesu wakatakura kuti
Mwari achavapindura
Avo vanomudaidza
Masikati neusiku.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.