AFM Shona Hymn 148

1. JESU ndishamwari wedu,
Mutakuri wakanaka,
Tinokomborerwa kwazvo,
Tine hama yakadai;
Kuti tichimukumbira,
Anofadzwa kupindura,
Anotipa zvakanaka,
Hatichazoshayi chiro.

2. Kuti tine dambudziko,
Kana tine rurunziro,
Hatizovi neurombo,
Tinotenda kuna Jesu;
Hatina imwe hama
Yakanaka kunga iye,
Anoziva vanhu vese,
Mukumbire anokuzwa,

3. Kuti tisisine simba,
Rekuita basa redu,
Jesu anotibatsira,
Anotipa simba rake;
Kana kuti takatukwa,
Tinonyararidzwa ndiye,
Jesu ndishamwari wedu,
Rudo rwake rwakanaka.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.