1. NAMATANYI , vanamati,
Musanete imwi, kwete;
Kwanga kune shirikadzi,
Haisakaneta iyo.
2. Nhambwe zhinji yakauya
Kukumbira ‘yo mutongi,
“Nditongere mhosva dzangu.”
Nguva ndefu wakaramba.
3. Gare-gare wakazoti,
“Kana ini ndisingatyi
Mwari kana umwe munhu,
Yandinetsa shirikadzi.”
4. “Ndoitonga mhosva yayo,
Pararanyi mhandu dzake,
Regeranyi kumunetsa;
Fara hako, shirikadzi.”
5. Jesu wakatakura kuti
Mwari achavapindura
Avo vanomudaidza
Masikati neusiku.