AFM Shona Hymn 35

1.MWEYA Mutsvene waMwari!
Gara muno mumba;
Buruka zvino nesimba,
Uya, Mweya, uya!

2. Uya Mweya kufanana
Kupenya kwezuva;
Vhenekera moyo yedu,
Onisa kuipa.

3. Onisa rushavashava,
Nezvirwere zvose,
Titungamire panzira,
Panoenda vatsvene.

4. Uya serimi romoto,
Pisa moyo yedu,
Tichive zviteuriro
Kuna Ishe wedu.

5. Uya Mweya kufanana
Dova rokudenga,
Mwoyo isingabereke
Ive namapudzi.

6. Uya senjiva yedenga,
Utivumbamire
Nemapapiro orudo,
Noruregerero.

7 Uya sedutu remhepo,
Netsitsi nengoni,
Kuti vanhu vakuone,
Nokupenya kwako.

8. Mweya Mutsvene waMwari!
Tarasika isu;
Buruka zvino nesimba,
Uya, Mweya, uya!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.