1. MWARI , Baba wangu, Ndinoona vanhu
Vakasiya nzira yenyu. Vaari varasiki;
Garai neni, garai neni
Nekusingaperi.
2. Neupenyu hwangu hwakatsonga kwazvo,
Asi ndinotenda kuti munogara neni;
Garai neni, garai neni
Nekusingaperi.
3. Pasi pano pese, Ndinoona kuti,
Zviro zvese zvichapera, imwi munogara;
Garai neni, garai neni
Nekusingaperi.
4. Vanhu vanobarwa, ivo vanokura,
Asi kufa kuchauya, Baba gara neni;
Garai neni, garai neni
Nekusingaperi.
5. Kuti ndichichema nematambudziko,
Achapera ndichafara, Baba, garai neni,
Garai neni, garai neni
Nekusingaperi.