AFM Shona Hymn 75

1. MUSI wehasha nokutya,
Musi wokuchema kwazvo,
Achazadziswa Matama
Avaprofta vakare.

2. Achauya kuzopisa
Denga nenyika nazvose,
Mutongi mukuru Jesu,
Tinogoita seiko?

3. Hedzo manzi dzicharira,
Vachadzinzwa pamakuva,
Vapenyu nevashakabvu,
Vanoenda kundotengeswa.

4. Nyika inogoriridza,
Anogoshama makuva;
Zvinhu zvose zvichamuka,
Zvinogopindura Ishe.

5. Urwo rugwaro rutsvene,
Mune zviito zvavanhu,
Runogoverengwa na’she,
Zvose zviiswe pachena.

Part 3

Mutongi zvaakagara,
Anotonga zvinhu zvose,
Nezvo zvakanga zvavanda,
Mabasa namatamawo.

Ndinogoita seiko?
Tsitsi dzinogobvepiko?
Anondiyamura ndiyani?
Nomusi uyo wokutya.

Mambo woutsvene, Iwe,
Wakatipa Muponisi,
Tiitire tsitsi, Ishe,
Musi uyo wokutongwa.

Iwe Jesu wave munhu,
Nenzira yoruponiso,
Rega kundisiya zvino,
Ndive mutandwi naMwari.

Wakambonditsvakisisa,
Wakambondifira ini,
Basa rako guru, Ishe,
Haringandiponise, nhai? Part 3
Mutongi wakarurama
Ndiregere zvakaipa,
Ndiitire tsitsi, Mwari,
Musi usati wasvika

Hongu ndine mhosva ini,
Ndinonyara mberi kwako,
Ndinochema kwazvo kwazvo,
Ndiregere, Mwari wangu.

Iwe wakamboponisa
Mukadzi akaipisa,
Nembavha pamuchinjikwa,
Ndiitire tsitsi neni.

Zvikomero zvangu zvose,
Nayo minamato yangu,
Haine basa, Jehovha,
Chete ndochemera tsitsi.

Ndiise nehwai dzako,
Ndirege kuva nembudzi,
Parudyi rwako kudenga,
Ndopandinoda kugara.

Ndinopfugama netsitsi,
Ndinorwarira zvitadzo,
Ona, Mwari, mwoyo wangu,
Uya kuzondiponisa.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.