AFM Shona Hymn 105

1. MTSVENE , m’tsvene, m’tsvene!
Mwari Samasimba!
Tinomukumbira pamangwanani ese,
M’tsvene, M’tsvene, m’tsvene,
Mune nyasha huru,
Umwe vatatu pamwe chetezve!

2. M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene!
Vese vanodaro,
Vakahwararira pamberi penyu Mwari:
M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene!
Vanomunamata
Mwakange muri, munozovazve!

3. M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene!
Hatizomuoni,
Mbiri yenyu huru panyika nokudenga:
M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene!
Muri m’tsvene chete,
Mwakanaka mwakachenazve!

4. M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene!
Zvese zvakasikwa
Zvinokudza imwi, mukuru kune vese:
M’tsvene, m’tsvene, m’tsvene!
Mwakaruramisa,
Mwari mupenyu nemusikizve!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.