Kwanga kune m’kadzi kare Lyrics – AFM Shona Hymn 169

1. KWANGA kune m’kadzi kare
Zita rake Dorka,
Wakanga akanaka diko,
Vese vakamuda.

2. Nemabhachi wakaruka
Zvipo zvevarombo
Wakadisa vanhu vese,
Vese vakaziva.

3. Kuvarombo nevarwere
Dorka waienda,
Wakateurira ivo,
Akavapa zvipo.

4. Kuti tine Mweya M’tswene,
Tinodisa vese,
Tinofara kubatsira
Vese vanoshaya.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *