AFM Shona Hymn 2

1.KUDZAI Mambo, ano utsvene;
Ari kudenga ana masimba;
Ndiye nhowo yedu yakarekare;
Chigaro chake chakakurumbidzwa.

2.Imbai masimba nengoni dzake,
Ari kudenga nenguwo chena;
Hasha dzake dzose dzinotinhira,
Anofamba zvake pachamupupuri.

3.Ana masimba, wakaisika
Nyika nezvinhu zvose zvirimo,
Wakaitsigira nomurairo,
Wakaikombera nemvura yose.

4.Kufudza kwako kusingarehwe;
Kuri pamhepo napakupenya,
Kuri pamakomo napamakan’a,
Kuri pane mvura napane dova.

5.Isu vaduku hatina simba,
Tinotarira chete kwauri;
Tsitsi dzako dzese dzisingaperi,
Hama yakanaka nomununuri.

6.Una masimba norudo rwose:
Dzinokuimbira hondo dzose kudenga
Nesuwo venyika tinokuimbira,
Tino kurumbidza kusingaperi.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.