AFM Shona Hymn 177

1. KUDENGA kwakanaka kupinda pasi pano.
M’ponesi wedu Anogara iyo,
Ari kutidaidzira kuti tizogadzirira
Nge’yo nzvimbo yedu yakanaka kwazvo

Korus:
Tinozoona M’ponesi, tizomuchingamidza
Tizogara naye nekusingaperi.
Tizoona M’ponesi, tizomuchingamidza
Tizotonga naye nekusingaperi.

2. Kum’soro kwakanaka, hakuna chapaipa,
Ruriyo rwizi rweupenyu iyo,
Jesu Kristu, Mambo weyo, ane dendemaro rake,
Asi vanhu vese vanomuwombera.

3. Rugwaro rwake Mwari, runotitaurira,
Runakisiso rweyo rwakakomba,
Runopinda zviro zvese, runopinda kutondera,
Rwakagadzirirwa vanhu vakanaka.

4. Makwanza ayo ese aitwa ngendarama,
Misivo yese yakanakisisa,
Ukuri ngehwemahwe akanaka, anokosha,
Zviro zvese zvinopenya nekubaka.

5. Zvizhinji zvakanaka zvagadzirirwa avo
Vagara zvakanaka pasi pano.
Mwari anotida kwazvo, tinokomborerwa ndiye.
Ndizvo ngatigadzirire kuenda’yo.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.