AFM Shona Hymn 79

1. JERUSAREMA , musha wangu,
Musha wakanaka!
Kana ndapedza mabasa,
Ndinoenda kwauri.

2. Ndichauona rinhiko,
Uyo musha wangu?
Une dzimba dzakanaka,
Nokudya kutsvene.

2. Hapasisina kuipa,
Hapana nenhamu,
Ndinoramba ndichienda,
Kumusha mutsvene.

3. Ndingatye here kurwadza?
Ndingatize kufa?
Kwete ndinoenda kuKenani,
Nyika yandinoda.

4. Vaprofita vadzidzisi,
Vakafira Jesu,
Varipo pamwe naKristu,
Neni ndichienda.

5. Jesusarema musha wangu,
Wandinotsvakisa!
Kana ndasvika kwauri,
Ndichafara kwazvo.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.